Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri

Bhuku rino richakutsanangurira nyaya dziri muBhaibheri kubva pakusikwa kwezvinhu, kuzvarwa kwaJesu neushumiri hwake kusvika pakuuya kweUmambo.

Tsamba Inobva kuDare Rinotungamirira

Bhuku rino rinoshandiswa sei?

CHIDZIDZO 1

Mwari Akasika Denga Nenyika

Bhaibheri rinotaura kuti Mwari akasika denga nenyika. Asi unoziva here kuti ndeipi ngirozi yaakatanga kusika asati asika zvimwe zvinhu zvese?

CHIDZIDZO 2

Mwari Akasika Murume Nemukadzi Vekutanga

Mwari akasika murume nemukadzi vekutanga akavaisa mumunda weEdheni. Aida kuti vave nevana uye vaite kuti nyika yese ive paradhiso.

CHIDZIDZO 3

Adhamu naEvha Havana Kuteerera Mwari

Mumwe muti waiva mumunda weEdheni wakanga wakasiyana papi nemimwe yese? Nei Evha akadya michero yemuti iwoyo?

CHIDZIDZO 4

Hasha Dzakaita Kuti Apedzisire Auraya

Mwari akagamuchira chinopiwa chaAbheri kwete chaKaini. Kaini paakazviona akabva atsamwa chaizvo akabva aita chinhu chakaipa zvikuru.

CHIDZIDZO 5

Areka yaNoa

Ngirozi dzakaipa padzakaroora madzimai panyika, dzakava nevanakomana vaiva hofori. Kurwisana kwakanga kwakazara. Asi Noa aida uye aiteerera Jehovha.

CHIDZIDZO 6

Vanhu 8 Ndivo Vakapona

PaMafashamo, mvura yakanaya kwemazuva 40 neusiku 40. Noa pamwe chete nemhuri yake vakatora rinopfuura gore vari muareka. Pakupedzisira vakazobuda.

CHIDZIDZO 7

Shongwe yeBhabheri

Vamwe vanhu vakafunga kuvaka guta raiva neshongwe yaisvika kumatenga chaiko. Nei Mwari aita kuti vangoerekana vava kutaura mitauro yakasiyana?

CHIDZIDZO 8

Abrahamu naSara Vakateerera Mwari

Nei Abrahamu naSara vakatengesa zvinhu zvavaiva nazvo muguta, kuti vanogara sevanhu vaingotama-tama kunyika yeKenani?

CHIDZIDZO 9

Vakazova Nemwanakomana!

Mwari aizozadzisa sei zvaakavimbisa kuna Abrahamu? Vimbiso yacho yaizozadzika nekuna ani, Isaka here kana kuti Ishmaeri?

CHIDZIDZO 10

Yeuka Mudzimai waRoti

Mwari akanayisa moto nesarufa kuSodhoma neGomora. Nei maguta iwayo akaparadzwa? Nei tichifanira kuyeuka mudzimai waRoti?

CHIDZIDZO 11

Akaratidza Kuti Aiva Nekutenda

Mwari akati kuna Abrahamu: ‘Tora mwanakomana wako mumwe chete, umupe sechibayiro pagomo riri kunyika yeMoriya.’ Abrahamu aizoita sei paaizosangana nemuedzo uyu wekutenda?

CHIDZIDZO 12

Jakobho Anowana Nhaka

Isaka naRibheka vakava nevanakomana vaiva mapatya vainzi Isau naJakobho. Isau ndiye akatanga kuberekwa saka ndiye aiva nekodzero yekuwana nhaka yaikosha. Nei akatengesa nhaka yake kuti angowana ndiro yenyemba?

CHIDZIDZO 13

Jakobho naIsau Vanotangazve Kuwirirana

Jakobho akaita sei kuti awane chikomborero kubva kungirozi? Uye akaita sei kuti vatangezve kuwirirana naIsau?

CHIDZIDZO 14

Muranda Akateerera Mwari

Josefa aiita zvakanaka asi akatambura chaizvo. Nei?

CHIDZIDZO 15

Jehovha Haana Kukanganwa Josefa

Kunyange zvazvo Josefa aiva kure nevemumhuri yake, Mwari akaramba ainaye.

CHIDZIDZO 16

Jobho Aiva Ani?

Akateerera Jehovha kunyange pazvainge zvakaoma.

CHIDZIDZO 17

Mozisi Akasarudza Kunamata Jehovha

Paakanga achiri mudiki, Mozisi akapona nekuda kwezano rekuchenjera rakaitwa naamai vake.

CHIDZIDZO 18

Gwenzi Raipfuta Moto

Nei moto usina kupisa gwenzi racho?

CHIDZIDZO 19

Matambudziko 3 Ekutanga

Farao akaunza nhamo pavanhu vake nekuti akaratidza kuzvikudza paakaramba kuita zvaakanga audzwa.

CHIDZIDZO 20

Mamwe Matambudziko 6 Anotevera

Matambudziko aya akanga akasiyana papi ne3 ekutanga?

CHIDZIDZO 21

Dambudziko Rechi10

Dambudziko iri rairwadza chaizvo zvekuti Farao uyo aizvikudza akazovarega vachienda.

CHIDZIDZO 22

Chishamiso Chakaitika paGungwa Dzvuku

Farao akasangana nematambudziko 10, asi akakwanisa here kupukunyuka pachishamiso ichi chakaitwa naMwari?

CHIDZIDZO 23

Vanoita Vimbiso Kuna Jehovha

VaIsraeri vakaita vimbiso kuna Mwari pavakanga vari paGomo reSinai.

CHIDZIDZO 24

Havana Kuita Zvavakanga Vavimbisa

Mozisi paakanga aenda kunotora Mirayiro Gumi, vanhu vakaita chivi chakakura.

CHIDZIDZO 25

Tebhenekeri Yekunamatira

Tende iri rinokosha raiva neareka yesungano.

CHIDZIDZO 26

Vasori 12

Joshua naKarebhi vakanga vasina kuita sevamwe varume 10 vavakaenda navo kunosora nyika yeKenani.

CHIDZIDZO 27

Vakapandukira Jehovha

Kora, Dhatani, Abhiramu nevamwe varume 250 vakatadza kuziva chimwe chinhu chinokosha nezvaJehovha.

CHIDZIDZO 28

Dhongi raBharami Rinotaura

Dhongi rakaona ngirozi, asi Bharami akanga asiri kuiona.

CHIDZIDZO 29

Jehovha Akasarudza Joshua

Mirayiridzo yakapiwa Joshua naMwari inogona kutibatsirawo mazuva ano.

CHIDZIDZO 30

Rakabhi Akahwandisa Vasori

Masvingo eJeriko akakoromoka. Asi imba yaRakabhi yakaramba yakamira, kunyange zvazvo yakanga yakabatana nemasvingo acho.

CHIDZIDZO 31

Joshua nevaGibhiyoni

Joshua akanyengetera kuna Mwari achiti: “Zuva, mira!” Mwari akapindura here?

CHIDZIDZO 32

Mutungamiriri Mutsva Nevakadzi Vaviri Vakashinga

Joshua paakafa, vaIsraeri vakatanga kunamata zvidhori. Upenyu hwakatanga kuvaomera asi vakazobatsirwa nemutongi ainzi Bheraki, muprofitakadzi ainzi Dhibhora naJaeri!

CHIDZIDZO 33

Rute naNaomi

Vakadzi vaviri vakafirwa nevarume vakadzokera kuIsraeri. Rute, mumwe wevakadzi vacho akaenda kunoshanda muminda uye ikoko akazoonekwa naBhoazi.

CHIDZIDZO 34

Gidhiyoni Akakunda vaMidhiyani

VaMidhiyani pavakaomesera vaIsraeri, vaIsraeri vakakumbira kuti Jehovha avabatsire. Masoja mashoma aGidhiyoni akakwanisa sei kukunda masoja 135 000 evavengi vavo?

CHIDZIDZO 35

Hana Anonyengetera Kuti Apiwe Mwanakomana

Erikana anoenda naHana, naPenina nevana kunonamata kutebhenekeri yekuShiro. Vari ikoko, Hana anonyengetera kuti apiwe mwanakomana. Papera gore, Samueri anoberekwa!

CHIDZIDZO 36

Vimbiso yaJefta

Jefta akaita vimbiso ipi uye nei? Mwanasikana waJefta akaita sei paakaziva nezvevimbiso yababa vake?

CHIDZIDZO 37

Jehovha Anotaura naSamueri

Vanakomana vaviri vemupristi mukuru Eri vaiva vapristi patebhenekeri, asi vaisateerera mitemo yaMwari. Wechidiki Samueri aiteerera, uye Jehovha akataura naye.

CHIDZIDZO 38

Jehovha Akapa Samsoni Simba

Mwari akapa Samsoni simba rekuti arwise vaFiristiya, asi iye akaita nekusachenjera, vaFiristiya vakabva vamubata ndokuenda naye.

CHIDZIDZO 39

Mambo Wekutanga wevaIsraeri

Mwari akaita kuti vatongi vatungamirire vaIsraeri, asi ivo vaida mambo. Samueri akazodza Sauro kuti ave mambo wekutanga, asi Jehovha akazoramba Sauro. Nei?

CHIDZIDZO 40

Dhavhidhi naGoriyati

Jehovha anosarudza Dhavhidhi kuti azova mambo wevaIsraeri, uye Dhavhidhi anoratidza kuti akakodzera kuva mambo.

CHIDZIDZO 41

Dhavhidhi naSauro

Nei mumwe wevarume ava achivenga mumwe wake, uye murume wacho ari kuvengwa anoita sei?

CHIDZIDZO 42

Jonatani Ainge Akashinga Uye Akavimbika

Mwanakomana wamambo anova shamwari yakanaka yaDhavhidhi.

CHIDZIDZO 43

Chivi Chakaitwa naMambo Dhavhidhi

Kuita zvakaipa kwakaunza matambudziko akawanda.

CHIDZIDZO 44

Temberi yaJehovha

Mwari akagamuchira chikumbiro chaMambo Soromoni uye akamupa makomborero akakura.

CHIDZIDZO 45

Umambo Hwakapatsanurwa

VaIsraeri vakawanda vakasiya kunamata Jehovha.

CHIDZIDZO 46

Vakaedzwa paGomo reKameri

Mwari wechokwadi ndiani? Jehovha kana kuti Bhaari?

CHIDZIDZO 47

Jehovha Akasimbisa Eriya

Unofunga kuti Jehovha anogona kukupawo simba here?

CHIDZIDZO 48

Mwanakomana Wechirikadzi Akamutswa

Zvishamiso zviviri zvakaitika pamba imwe chete!

CHIDZIDZO 49

Mambokadzi Akaipa Anorangwa

Jezebheri anoronga kuuraya muIsraeri ainzi Nabhoti kuti abe munda wake wemazambiringa! Jehovha aiona zvinhu zvakaipa zvaaiita.

CHIDZIDZO 50

Jehovha Anodzivirira Jehoshafati

Mambo Jehoshafati uyo aiita zvakanaka anonyengetera kuna Jehovha, vaJudha pavanotyisidzirwa nemarudzi aivavenga.

CHIDZIDZO 51

Mukuru Wemasoja Nemusikana Mudiki

Musikana mudiki wechiIsraeri ari kuudza mukadzi waaishandira nezvesimba guru raJehovha uye pakazoita chishamiso.

CHIDZIDZO 52

Uto raJehovha Remoto

Mushandi waErisha anosvika sei pakuona kuti ‘vari kwatiri vazhinji kupfuura vavainavo?’

CHIDZIDZO 53

Kushinga kwaJehoyadha

Mupristi akatendeka anomirisana namambokadzi aiita zvakaipa.

CHIDZIDZO 54

Jehovha Akaitira Jona Mwoyo Murefu

Zvakafamba sei kuti mumwe wevaprofita vaMwari azomedzwa nehove huru? Akazobuda sei? Uye Jehovha akamudzidzisa chidzidzo chipi?

CHIDZIDZO 55

Ngirozi yaJehovha Yakadzivirira Hezekiya

Vavengi vevaJudha vari kuti Jehovha haasi kuzodzivirira vanhu vake, asi ichocho hachisi chokwadi!

CHIDZIDZO 56

Josiya Aida Mutemo waMwari

Josiya anova mambo aine makore 8, uye anoita kuti vanhu vake vanamate Jehovha.

CHIDZIDZO 57

Jehovha Anotuma Jeremiya Kunoparidza

Zvakataurwa nemuprofita uyu wechidiki zvakaita kuti vakuru vevaJudha vatsamwe chaizvo.

CHIDZIDZO 58

Jerusarema Rinoparadzwa

Vanhu veJudha vakaramba vachinamata vanamwari venhema, saka Jehovha akavasiya.

CHIDZIDZO 59

Vakomana 4 Vakateerera Jehovha

VaJudha vechidiki vatsunga kuramba vakatendeka kuna Jehovha kunyange zvazvo vari mumuzinda weBhabhironi.

CHIDZIDZO 60

Umambo Husingazomboparadzwi

Dhanieri anotsanangura hope dzaNebhukadhinezari dzainetsa kunzwisisa.

CHIDZIDZO 61

Havana Kuchipfugamira

Shadreki, Misheki, naAbhedhinego vakaramba kunamata chidhori chegoridhe chamambo weBhabhironi.

CHIDZIDZO 62

Umambo Hwakaita Semuti Muhombe

Hope dzaNebhukadhinezari dzaireva zvaizoitika kwaari.

CHIDZIDZO 63

Mashoko Akanyorwa Pamadziro

Mashoko aya asinganzwisisiki akaoneka riini uye anorevei?

CHIDZIDZO 64

Dhanieri Mugomba Reshumba

Nyengetera kuna Jehovha mazuva ese sezvaiitwa naDhanieri!

CHIDZIDZO 65

Esteri Anoponesa Vanhu Vake

Kunyange zvazvo aiva mutorwa uye nherera, iye akazova mambokadzi.

CHIDZIDZO 66

Ezra Akadzidzisa Mutemo waMwari

VaIsraeri pavakanzwa zvakanga zvataurwa naEzra, vakaita vimbiso inokosha kuna Mwari.

CHIDZIDZO 67

Masvingo eJerusarema

Nehemiya akaziva kuti vavengi vake vaida kuvarwisa. Nei akanga asingatyi?

CHIDZIDZO 68

Erizabheti Anova Nemwana

Nei murume waErizabheti akaudzwa kuti aizotadza kutaura kusvikira mwana aberekwa?

CHIDZIDZO 69

Gabrieri Anoshanyira Mariya

Anomuudza mashoko akachinja upenyu hwake.

CHIDZIDZO 70

Ngirozi Dzinozivisa Kuberekwa kwaJesu

Vafudzi pavakanzwa kuzivisa kwacho vakabva vatoenda.

CHIDZIDZO 71

Jehovha Akadzivirira Jesu

Mambo akaipa aida kuuraya Jesu.

CHIDZIDZO 72

Jesu Achiri Mudiki

Zvii zvakaitwa naJesu paaiva mutemberi zvakashamisa vadzidzisi?

CHIDZIDZO 73

Johani Anogadzirira Jesu Nzira

Paanokura, Johani anova muprofita. Anodzidzisa kuti Mesiya ari kuuya. Vanhu vanoita sei pavanonzwa achiparidza?

CHIDZIDZO 74

Jesu Anova Mesiya

Johani anorevei paanoti Jesu ndiye Gwayana raMwari?

CHIDZIDZO 75

Dhiyabhorosi Anoedza Jesu

Dhiyabhorosi anoedza Jesu katatu. Ndeipi miedzo mitatu yaakasangana nayo? Jesu akaita sei?

CHIDZIDZO 76

Jesu Anochenesa Temberi

Nei Jesu akabudisa mhuka mutemberi uye akapidigura matafura evanhu vaichinja mari?

CHIDZIDZO 77

Mukadzi Aiva Patsime

Nei mukadzi muSamariya achishamisika kuti Jesu ari kutaura naye? Jesu anomuudza mashoko api aasina kumboudza mumwe munhu?

CHIDZIDZO 78

Jesu Anoparidza Mashoko eUmambo

Jesu anokoka vamwe vevadzidzi vake kuti vave “vabati vevanhu.” Pava paya, akadzidzisa vamwe 70 vevadzidzi vake kuparidza mashoko akanaka.

CHIDZIDZO 79

Jesu Anoita Zvishamiso Zvakawanda

Kwese kwaanoenda, vanhu vanorwara vanouya kwaari kuti vabatsirwe uye anovarapa. Anotomutsa musikana mudiki anga afa.

CHIDZIDZO 80

Jesu Anosarudza Vaapostora 12

Akavasarudza kuti vaitei? Uchiri kuyeuka mazita avo here?

CHIDZIDZO 81

Mharidzo yepaGomo

Jesu ari kudzidzisa boka revanhu zvidzidzo zvinokosha.

CHIDZIDZO 82

Jesu Anodzidzisa Vadzidzi Vake Kunyengetera

Zvinhu zvipi zvaakaudza vadzidzi vake kuti varambe vachikumbira?

CHIDZIDZO 83

Jesu Anopa Vanhu Vakawanda Zvekudya

Chishamiso ichi chinotidzidzisei nezvaJehovha naJesu?

CHIDZIDZO 84

Jesu Anofamba Pamusoro Pemvura

Chimbofungidzira kuti vaapostora vanonzwa sei pavanoona chishamiso ichi?

CHIDZIDZO 85

Jesu Anorapa Pazuva reSabata

Nei vamwe vanhu vasiri kufarira zvaari kuita?

CHIDZIDZO 86

Jesu Anomutsa Razaro

Jesu paanoona Mariya achichema, anobva atangawo kuchema. Asi nekukurumidza, kuchema kwavo kunochinja kuva mufaro.

CHIDZIDZO 87

Paseka yaJesu Yekupedzisira

Jesu akapa vaapostora vake mirayiridzo inokosha paakadya navo manheru kekupedzisira.

CHIDZIDZO 88

Jesu Anosungwa

Judhasi Iskariyoti anotungamirira mhomho yevanhu vakabata mapakatwa netsvimbo kuti vanosunga Jesu.

CHIDZIDZO 89

Petro Anoramba Jesu

Chii chakaitika muchivanze cheimba yaKayafasi? Uye chii chakaitika kuna Jesu mukati meimba yacho?

CHIDZIDZO 90

Jesu Anofa paGorogota

Nei Pirato achirayira kuti Jesu aurayiwe?

CHIDZIDZO 91

Jesu Anomutswa

Zvinhu zvipi zvinoshamisa zvakaitika mazuva mashomanana Jesu aurayiwa?

CHIDZIDZO 92

Jesu Anozviratidza Kuvabati Vehove

Anoita sei kuti vatarise kwaari?

CHIDZIDZO 93

Jesu Anodzokera Kudenga

Asati aenda, anotanga apa vadzidzi vake mirayiridzo inokosha.

CHIDZIDZO 94

Vadzidzi Vanopiwa Mweya Mutsvene

Mweya mutsvene wakavapa simba rekuita zvishamiso zvipi?

CHIDZIDZO 95

Hapana Chaigona Kuvamisa

Vatungamiriri vezvitendero vakaurayisa Jesu, uye iye zvino vava kuda kumisa basa revadzidzi vake. Asi havasi kuzokwanisa kurimisa.

CHIDZIDZO 96

Jesu Anosarudza Sauro

Sauro anovenga vaKristu uye anovarwisa asi iye zvino ava kuda kuchinja.

CHIDZIDZO 97

Koneriyasi Anopiwa Mweya Mutsvene

Nei Mwari atuma Petro kumba kwemurume uyu asiri muJudha?

CHIDZIDZO 98

ChiKristu Chinoenda Kumarudzi Akawanda

Muapostora Pauro neshamwari dzake mamishinari vanotanga kuparidza kunyika dziri kure.

CHIDZIDZO 99

Murindi Wejeri Anodzidza Chokwadi

Dhimoni, kudengenyeka kwenyika uye bakatwa, zvese izvi zvinopinda papi munyaya iyi?

CHIDZIDZO 100

Pauro naTimoti

Varume vaviri vacho vakashanda pamwe chete seshamwari neshamwari kwemakore akawanda.

CHIDZIDZO 101

Pauro Anoendeswa kuRoma

Rwendo rwacho rwune ngozi, asi hapana chinotadzisa muapostora uyu kuita basa rake.

CHIDZIDZO 102

Zvakaratidzwa Johani

Jesu anomuratidza zviono zvinotevedzana zvezvichaitika mune ramangwana.

CHIDZIDZO 103

“Umambo Hwenyu Ngahuuye”

Bhuku raZvakazarurwa kuna Johani rinoratidza kuti Umambo hwaMwari huchachinja sei upenyu hwevanhu panyika.