Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Bhuku rino richakutsanangurira nyaya dziri muBhaibheri kubva pakusikwa kwezvinhu, kuzvarwa kwaJesu neushumiri hwake kusvika pakuuya kweUmambo.
Tsamba Inobva kuDare Rinotungamirira
Bhuku rino rinoshandiswa sei?
CHIDZIDZO 1
Mwari Akasika Denga Nenyika
Bhaibheri rinotaura kuti Mwari akasika denga nenyika. Asi unoziva here kuti ndeipi ngirozi yaakatanga kusika asati asika zvimwe zvinhu zvese?
CHIDZIDZO 2
Mwari Akasika Murume Nemukadzi Vekutanga
Mwari akasika murume nemukadzi vekutanga akavaisa mumunda weEdheni. Aida kuti vave nevana uye vaite kuti nyika yese ive paradhiso.
CHIDZIDZO 3
Adhamu naEvha Havana Kuteerera Mwari
Mumwe muti waiva mumunda weEdheni wakanga wakasiyana papi nemimwe yese? Nei Evha akadya michero yemuti iwoyo?
CHIDZIDZO 4
Hasha Dzakaita Kuti Apedzisire Auraya
Mwari akagamuchira chinopiwa chaAbheri kwete chaKaini. Kaini paakazviona akabva atsamwa chaizvo akabva aita chinhu chakaipa zvikuru.
CHIDZIDZO 5
Areka yaNoa
Ngirozi dzakaipa padzakaroora madzimai panyika, dzakava nevanakomana vaiva hofori. Kurwisana kwakanga kwakazara. Asi Noa aida uye aiteerera Jehovha.
CHIDZIDZO 6
Vanhu 8 Ndivo Vakapona
PaMafashamo, mvura yakanaya kwemazuva 40 neusiku 40. Noa pamwe chete nemhuri yake vakatora rinopfuura gore vari muareka. Pakupedzisira vakazobuda.
CHIDZIDZO 7
Shongwe yeBhabheri
Vamwe vanhu vakafunga kuvaka guta raiva neshongwe yaisvika kumatenga chaiko. Nei Mwari aita kuti vangoerekana vava kutaura mitauro yakasiyana?
CHIDZIDZO 8
Abrahamu naSara Vakateerera Mwari
Nei Abrahamu naSara vakatengesa zvinhu zvavaiva nazvo muguta, kuti vanogara sevanhu vaingotama-tama kunyika yeKenani?
CHIDZIDZO 9
Vakazova Nemwanakomana!
Mwari aizozadzisa sei zvaakavimbisa kuna Abrahamu? Vimbiso yacho yaizozadzika nekuna ani, Isaka here kana kuti Ishmaeri?
CHIDZIDZO 10
Yeuka Mudzimai waRoti
Mwari akanayisa moto nesarufa kuSodhoma neGomora. Nei maguta iwayo akaparadzwa? Nei tichifanira kuyeuka mudzimai waRoti?
CHIDZIDZO 11
Akaratidza Kuti Aiva Nekutenda
Mwari akati kuna Abrahamu: ‘Tora mwanakomana wako mumwe chete, umupe sechibayiro pagomo riri kunyika yeMoriya.’ Abrahamu aizoita sei paaizosangana nemuedzo uyu wekutenda?
CHIDZIDZO 12
Jakobho Anowana Nhaka
Isaka naRibheka vakava nevanakomana vaiva mapatya vainzi Isau naJakobho. Isau ndiye akatanga kuberekwa saka ndiye aiva nekodzero yekuwana nhaka yaikosha. Nei akatengesa nhaka yake kuti angowana ndiro yenyemba?
CHIDZIDZO 13
Jakobho naIsau Vanotangazve Kuwirirana
Jakobho akaita sei kuti awane chikomborero kubva kungirozi? Uye akaita sei kuti vatangezve kuwirirana naIsau?
CHIDZIDZO 15
Jehovha Haana Kukanganwa Josefa
Kunyange zvazvo Josefa aiva kure nevemumhuri yake, Mwari akaramba ainaye.
CHIDZIDZO 17
Mozisi Akasarudza Kunamata Jehovha
Paakanga achiri mudiki, Mozisi akapona nekuda kwezano rekuchenjera rakaitwa naamai vake.
CHIDZIDZO 19
Matambudziko 3 Ekutanga
Farao akaunza nhamo pavanhu vake nekuti akaratidza kuzvikudza paakaramba kuita zvaakanga audzwa.
CHIDZIDZO 21
Dambudziko Rechi10
Dambudziko iri rairwadza chaizvo zvekuti Farao uyo aizvikudza akazovarega vachienda.
CHIDZIDZO 22
Chishamiso Chakaitika paGungwa Dzvuku
Farao akasangana nematambudziko 10, asi akakwanisa here kupukunyuka pachishamiso ichi chakaitwa naMwari?
CHIDZIDZO 23
Vanoita Vimbiso Kuna Jehovha
VaIsraeri vakaita vimbiso kuna Mwari pavakanga vari paGomo reSinai.
CHIDZIDZO 24
Havana Kuita Zvavakanga Vavimbisa
Mozisi paakanga aenda kunotora Mirayiro Gumi, vanhu vakaita chivi chakakura.
CHIDZIDZO 26
Vasori 12
Joshua naKarebhi vakanga vasina kuita sevamwe varume 10 vavakaenda navo kunosora nyika yeKenani.
CHIDZIDZO 27
Vakapandukira Jehovha
Kora, Dhatani, Abhiramu nevamwe varume 250 vakatadza kuziva chimwe chinhu chinokosha nezvaJehovha.
CHIDZIDZO 29
Jehovha Akasarudza Joshua
Mirayiridzo yakapiwa Joshua naMwari inogona kutibatsirawo mazuva ano.
CHIDZIDZO 30
Rakabhi Akahwandisa Vasori
Masvingo eJeriko akakoromoka. Asi imba yaRakabhi yakaramba yakamira, kunyange zvazvo yakanga yakabatana nemasvingo acho.
CHIDZIDZO 31
Joshua nevaGibhiyoni
Joshua akanyengetera kuna Mwari achiti: “Zuva, mira!” Mwari akapindura here?
CHIDZIDZO 32
Mutungamiriri Mutsva Nevakadzi Vaviri Vakashinga
Joshua paakafa, vaIsraeri vakatanga kunamata zvidhori. Upenyu hwakatanga kuvaomera asi vakazobatsirwa nemutongi ainzi Bheraki, muprofitakadzi ainzi Dhibhora naJaeri!
CHIDZIDZO 33
Rute naNaomi
Vakadzi vaviri vakafirwa nevarume vakadzokera kuIsraeri. Rute, mumwe wevakadzi vacho akaenda kunoshanda muminda uye ikoko akazoonekwa naBhoazi.
CHIDZIDZO 34
Gidhiyoni Akakunda vaMidhiyani
VaMidhiyani pavakaomesera vaIsraeri, vaIsraeri vakakumbira kuti Jehovha avabatsire. Masoja mashoma aGidhiyoni akakwanisa sei kukunda masoja 135 000 evavengi vavo?
CHIDZIDZO 35
Hana Anonyengetera Kuti Apiwe Mwanakomana
Erikana anoenda naHana, naPenina nevana kunonamata kutebhenekeri yekuShiro. Vari ikoko, Hana anonyengetera kuti apiwe mwanakomana. Papera gore, Samueri anoberekwa!
CHIDZIDZO 36
Vimbiso yaJefta
Jefta akaita vimbiso ipi uye nei? Mwanasikana waJefta akaita sei paakaziva nezvevimbiso yababa vake?
CHIDZIDZO 37
Jehovha Anotaura naSamueri
Vanakomana vaviri vemupristi mukuru Eri vaiva vapristi patebhenekeri, asi vaisateerera mitemo yaMwari. Wechidiki Samueri aiteerera, uye Jehovha akataura naye.
CHIDZIDZO 38
Jehovha Akapa Samsoni Simba
Mwari akapa Samsoni simba rekuti arwise vaFiristiya, asi iye akaita nekusachenjera, vaFiristiya vakabva vamubata ndokuenda naye.
CHIDZIDZO 39
Mambo Wekutanga wevaIsraeri
Mwari akaita kuti vatongi vatungamirire vaIsraeri, asi ivo vaida mambo. Samueri akazodza Sauro kuti ave mambo wekutanga, asi Jehovha akazoramba Sauro. Nei?
CHIDZIDZO 40
Dhavhidhi naGoriyati
Jehovha anosarudza Dhavhidhi kuti azova mambo wevaIsraeri, uye Dhavhidhi anoratidza kuti akakodzera kuva mambo.
CHIDZIDZO 41
Dhavhidhi naSauro
Nei mumwe wevarume ava achivenga mumwe wake, uye murume wacho ari kuvengwa anoita sei?
CHIDZIDZO 42
Jonatani Ainge Akashinga Uye Akavimbika
Mwanakomana wamambo anova shamwari yakanaka yaDhavhidhi.
CHIDZIDZO 44
Temberi yaJehovha
Mwari akagamuchira chikumbiro chaMambo Soromoni uye akamupa makomborero akakura.
CHIDZIDZO 49
Mambokadzi Akaipa Anorangwa
Jezebheri anoronga kuuraya muIsraeri ainzi Nabhoti kuti abe munda wake wemazambiringa! Jehovha aiona zvinhu zvakaipa zvaaiita.
CHIDZIDZO 50
Jehovha Anodzivirira Jehoshafati
Mambo Jehoshafati uyo aiita zvakanaka anonyengetera kuna Jehovha, vaJudha pavanotyisidzirwa nemarudzi aivavenga.
CHIDZIDZO 51
Mukuru Wemasoja Nemusikana Mudiki
Musikana mudiki wechiIsraeri ari kuudza mukadzi waaishandira nezvesimba guru raJehovha uye pakazoita chishamiso.
CHIDZIDZO 52
Uto raJehovha Remoto
Mushandi waErisha anosvika sei pakuona kuti ‘vari kwatiri vazhinji kupfuura vavainavo?’
CHIDZIDZO 54
Jehovha Akaitira Jona Mwoyo Murefu
Zvakafamba sei kuti mumwe wevaprofita vaMwari azomedzwa nehove huru? Akazobuda sei? Uye Jehovha akamudzidzisa chidzidzo chipi?
CHIDZIDZO 55
Ngirozi yaJehovha Yakadzivirira Hezekiya
Vavengi vevaJudha vari kuti Jehovha haasi kuzodzivirira vanhu vake, asi ichocho hachisi chokwadi!
CHIDZIDZO 56
Josiya Aida Mutemo waMwari
Josiya anova mambo aine makore 8, uye anoita kuti vanhu vake vanamate Jehovha.
CHIDZIDZO 57
Jehovha Anotuma Jeremiya Kunoparidza
Zvakataurwa nemuprofita uyu wechidiki zvakaita kuti vakuru vevaJudha vatsamwe chaizvo.
CHIDZIDZO 58
Jerusarema Rinoparadzwa
Vanhu veJudha vakaramba vachinamata vanamwari venhema, saka Jehovha akavasiya.
CHIDZIDZO 59
Vakomana 4 Vakateerera Jehovha
VaJudha vechidiki vatsunga kuramba vakatendeka kuna Jehovha kunyange zvazvo vari mumuzinda weBhabhironi.
CHIDZIDZO 60
Umambo Husingazomboparadzwi
Dhanieri anotsanangura hope dzaNebhukadhinezari dzainetsa kunzwisisa.
CHIDZIDZO 61
Havana Kuchipfugamira
Shadreki, Misheki, naAbhedhinego vakaramba kunamata chidhori chegoridhe chamambo weBhabhironi.
CHIDZIDZO 65
Esteri Anoponesa Vanhu Vake
Kunyange zvazvo aiva mutorwa uye nherera, iye akazova mambokadzi.
CHIDZIDZO 66
Ezra Akadzidzisa Mutemo waMwari
VaIsraeri pavakanzwa zvakanga zvataurwa naEzra, vakaita vimbiso inokosha kuna Mwari.
CHIDZIDZO 67
Masvingo eJerusarema
Nehemiya akaziva kuti vavengi vake vaida kuvarwisa. Nei akanga asingatyi?
CHIDZIDZO 68
Erizabheti Anova Nemwana
Nei murume waErizabheti akaudzwa kuti aizotadza kutaura kusvikira mwana aberekwa?
CHIDZIDZO 70
Ngirozi Dzinozivisa Kuberekwa kwaJesu
Vafudzi pavakanzwa kuzivisa kwacho vakabva vatoenda.
CHIDZIDZO 73
Johani Anogadzirira Jesu Nzira
Paanokura, Johani anova muprofita. Anodzidzisa kuti Mesiya ari kuuya. Vanhu vanoita sei pavanonzwa achiparidza?
CHIDZIDZO 75
Dhiyabhorosi Anoedza Jesu
Dhiyabhorosi anoedza Jesu katatu. Ndeipi miedzo mitatu yaakasangana nayo? Jesu akaita sei?
CHIDZIDZO 76
Jesu Anochenesa Temberi
Nei Jesu akabudisa mhuka mutemberi uye akapidigura matafura evanhu vaichinja mari?
CHIDZIDZO 77
Mukadzi Aiva Patsime
Nei mukadzi muSamariya achishamisika kuti Jesu ari kutaura naye? Jesu anomuudza mashoko api aasina kumboudza mumwe munhu?
CHIDZIDZO 78
Jesu Anoparidza Mashoko eUmambo
Jesu anokoka vamwe vevadzidzi vake kuti vave “vabati vevanhu.” Pava paya, akadzidzisa vamwe 70 vevadzidzi vake kuparidza mashoko akanaka.
CHIDZIDZO 79
Jesu Anoita Zvishamiso Zvakawanda
Kwese kwaanoenda, vanhu vanorwara vanouya kwaari kuti vabatsirwe uye anovarapa. Anotomutsa musikana mudiki anga afa.
CHIDZIDZO 80
Jesu Anosarudza Vaapostora 12
Akavasarudza kuti vaitei? Uchiri kuyeuka mazita avo here?
CHIDZIDZO 82
Jesu Anodzidzisa Vadzidzi Vake Kunyengetera
Zvinhu zvipi zvaakaudza vadzidzi vake kuti varambe vachikumbira?
CHIDZIDZO 83
Jesu Anopa Vanhu Vakawanda Zvekudya
Chishamiso ichi chinotidzidzisei nezvaJehovha naJesu?
CHIDZIDZO 84
Jesu Anofamba Pamusoro Pemvura
Chimbofungidzira kuti vaapostora vanonzwa sei pavanoona chishamiso ichi?
CHIDZIDZO 86
Jesu Anomutsa Razaro
Jesu paanoona Mariya achichema, anobva atangawo kuchema. Asi nekukurumidza, kuchema kwavo kunochinja kuva mufaro.
CHIDZIDZO 87
Paseka yaJesu Yekupedzisira
Jesu akapa vaapostora vake mirayiridzo inokosha paakadya navo manheru kekupedzisira.
CHIDZIDZO 88
Jesu Anosungwa
Judhasi Iskariyoti anotungamirira mhomho yevanhu vakabata mapakatwa netsvimbo kuti vanosunga Jesu.
CHIDZIDZO 89
Petro Anoramba Jesu
Chii chakaitika muchivanze cheimba yaKayafasi? Uye chii chakaitika kuna Jesu mukati meimba yacho?
CHIDZIDZO 94
Vadzidzi Vanopiwa Mweya Mutsvene
Mweya mutsvene wakavapa simba rekuita zvishamiso zvipi?
CHIDZIDZO 95
Hapana Chaigona Kuvamisa
Vatungamiriri vezvitendero vakaurayisa Jesu, uye iye zvino vava kuda kumisa basa revadzidzi vake. Asi havasi kuzokwanisa kurimisa.
CHIDZIDZO 96
Jesu Anosarudza Sauro
Sauro anovenga vaKristu uye anovarwisa asi iye zvino ava kuda kuchinja.
CHIDZIDZO 97
Koneriyasi Anopiwa Mweya Mutsvene
Nei Mwari atuma Petro kumba kwemurume uyu asiri muJudha?
CHIDZIDZO 98
ChiKristu Chinoenda Kumarudzi Akawanda
Muapostora Pauro neshamwari dzake mamishinari vanotanga kuparidza kunyika dziri kure.
CHIDZIDZO 99
Murindi Wejeri Anodzidza Chokwadi
Dhimoni, kudengenyeka kwenyika uye bakatwa, zvese izvi zvinopinda papi munyaya iyi?
CHIDZIDZO 100
Pauro naTimoti
Varume vaviri vacho vakashanda pamwe chete seshamwari neshamwari kwemakore akawanda.
CHIDZIDZO 101
Pauro Anoendeswa kuRoma
Rwendo rwacho rwune ngozi, asi hapana chinotadzisa muapostora uyu kuita basa rake.
CHIDZIDZO 102
Zvakaratidzwa Johani
Jesu anomuratidza zviono zvinotevedzana zvezvichaitika mune ramangwana.
CHIDZIDZO 103
“Umambo Hwenyu Ngahuuye”
Bhuku raZvakazarurwa kuna Johani rinoratidza kuti Umambo hwaMwari huchachinja sei upenyu hwevanhu panyika.