Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha Zvinowanepi Mari Yekuita Basa Razvo?

Zvapupu zvaJehovha Zvinowanepi Mari Yekuita Basa Razvo?

 Basa redu rekuparidza rinonyanya kutsigirwa nezvipo zvinopiwa neZvapupu zvaJehovha. a Tine mabhokisi ekuisa zvipo anenge aripo panzvimbo dzatinonamatira, uye dzimwe nzira dzekupa dzakanyorwa pakanzi Zvipo. Munhu anogona kusarudza kuti opa chipo chekutsigira basa remunyika yese kana kuti kwaanogara, kana kuti kwese.

 Zvapupu zvaJehovha hazvibvisi chegumi kana kunzi munhu mumwe nemumwe ngaabvise mari yakati. (2 VaKorinde 9:7) Pamisangano yedu hapana ndiro yemari inofambiswa uye hapana mari inobhadhariswa pakubhabhatidzwa, pakutungamirira mariro, michato kana zvimwe zvirongwa zvinoitwa nesangano redu. Hatitsvagi mari nekuita bhizinesi rekutengesa zvinhu, kana kukumbira vanhu kuti vatipe mari. Kana munhu akapa chipo chake, hazvitaurwi kune vamwe kuti nhingi abvisa mari yakati. (Mateu 6:2-4) Mawebsite uye mabhuku edu haashambadziri zvinhu senzira yekutsvaga mari.

 Mwedzi nemwedzi ungano imwe neimwe yeZvapupu zvaJehovha inopa chiziviso kuvanhu vese vemuungano yacho ichitaura mafambisirwo akaitwa mari. Nguva nenguva panoitwa ongororo yekuti zvioneke kuti mari dzezvipo dziri kushandiswa zvakanaka here.—2 VaKorinde 8:20, 21.

Nzira Dzekupa Nadzo Zvipo

  •   Mabhokisi emupiro: Unogona kuisa mari kana cheki mumabhokisi emupiro anowanikwa paDzimba dzeUmambo, Dzimba Dzemagungano, kana dzimwe nzvimbo dzatinoitira misangano yedu.

  •   Kupa mari uchishandisa Indaneti: Munyika dzakawanda vanhu vanogona kushandisa peji yakanzi “Kupa Zvipo kuZvapupu zvaJehovha” vachishandisa kadhi rekubhengi kana kuisa mari muakaundi yedu. b Zvimwe Zvapupu zvinogara zvasarudza mari inofanira kugara ichibuda muakaundi mavo mwedzi nemwedzi zvichishandisa nzira idzi dzepaIndaneti.—1 VaKorinde 16:2.

  •   Humwe urongwa hwekupa: Dzimwe nzira dzekupa dzinoda kuti uronge pachiine nguva uye kutanga wabvunza vanoziva nezvemitemo. Izvi zvichakubatsira kuti uderedzerwe mitero yezvimwe zvinhu zvaunofanira kubhadhara. Ruzivo urwu rwakabatsira vakawanda kuronga zvipo zvavanogona kupa vachiri vapenyu kana kuti zvinozopiwa mumwe munhu kana vafa. Taura nehofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha kuti unzwe zvakawanda kana uchida kupa chipo uchishandisa nzira dzinotevera:

    •   maakaundi ekubhengi

    •   inishuwarenzi uye mari yemudyandigere

    •   zvivako nenzvimbo

    •   masheya (stocks) uye magwaro anoratidza mari yakakwereteswa (bonds)

    •   mawiri

 Kuti uzive zvakawanda nezvenzira dzekupa nadzo zvipo munyika yauri, ona peji yakanzi “Kupa Zvipo kuZvapupu zvaJehovha.”

a Kunewo vamwe vasiri Zvapupu vanopa mari yavo kuti vatsigire basa redu.

b Kuti uwane mamwe mashoko, ona vhidhiyo inonzi Kupa Zvipo Uchishandisa Foni, Tablet Kana Kombiyuta.